Pisarema 113
 1 Rumbidzai Jehovha. 
Rumbidzai, imi varanda vaJehovha, 
rumbidzai zita raJehovha. 
 2 Zita raJehovha ngarirumbidzwe, 
kubva zvino kusvikira narini. 
 3 Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro, 
zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa. 
 4 Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose; 
kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga. 
 5 Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu, 
iye anogara pachigaro choushe chokumusoro-soro, 
 6 anokotamira pasi kuti aone 
zviri kudenga napanyika? 
 7 Anosimudza murombo kubva muguruva, 
uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota; 
 8 anovagadza namachinda, 
namachinda avanhu vavo. 
 9 Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make, 
samai vavana vanofara. 
Languages