4
Gomo raJehovha
1 Mumazuva okupedzisira
gomo retemberi yaJehovha richasimbiswa 
segomo guru pakati pamakomo; 
richasimudzwa pamusoro pezvikomo, 
uye marudzi achaenda kwariri.
2 Ndudzi zhinji dzichauya dzichiti,
“Uyai, handei kugomo raJehovha, 
kuimba yaMwari waJakobho. 
Achatidzidzisa nzira dzake, 
kuti tigofamba munzira dzake.” 
Murayiro uchabuda kubva paZioni, 
shoko raJehovha kubva paJerusarema. 
 3 Achatonga pakati pamarudzi mazhinji 
uye achapedza gakava pakati pendudzi dzine simba dziri kure kure. 
Vachapfura minondo yavo vagoiita mapadza, 
namapfumo vachiaita mapanga okuchekerera miti. 
Rudzi harungasimudziri rumwe rudzi munondo, 
havangazodzidzirizve kurwa. 
 4 Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, 
napasi pomuonde wake, 
uye hapana anozovaita kuti vatye, 
nokuti Jehovha Wamasimba Ose ataura. 
 5 Ndudzi dzose dzingafamba 
muzita ravamwari vadzo; 
isu tichafamba muzita raJehovha 
Mwari wedu nokusingaperi-peri. 
Urongwa hwaJehovha 
 6 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, 
“Ndichaunganidza vakaremara; 
ndichaunganidza vakadzingwa 
neavo vandakatambudza. 
 7 Ndicharemadza vakasara, 
vaya vakadzingwa, ivo rudzi rwakasimba. 
Jehovha achavatonga paGomo reZioni 
kubva pazuva iroro nokusingaperi. 
 8 Kana uri iwe, chirindo cheboka 
iwe nhare yoMwanasikana weZioni, 
ushe hwakare huchadzoswa kwauri; 
umambo huchauya kuMwanasikana weJerusarema.” 
 9 Sei muchiridza mhere iye zvino, 
hamuna mambo here? 
Gota renyu raparara here zvokuti kurwadza 
kwakubatai sekwomukadzi anosununguka? 
 10 Tambura ugomere, 
iwe Mwanasikana weZioni, 
somukadzi ari pakusununguka, 
nokuti zvino unofanira kubuda muguta unogara kusango. 
Uchaenda kuBhabhironi; 
ikoko uchandonunurwa. 
Ikoko Jehovha achakudzikinura 
kubva paruoko rwavavengi vako. 
 11 Asi zvino ndudzi zhinji 
dzakaunganira kuzokurwisa. 
Vanoti, “Ngaasvibiswe, 
maziso edu ngaatarise Zioni!” 
 12 Asi havazivi 
pfungwa dzaJehovha; 
havanzwisisi kuronga kwake, 
iye anovaunganidza sezvisote paburiro. 
 13 “Simuka upure, iwe Mwanasikana weZioni, 
nokuti ndichakupa nyanga dzesimbi; 
ndichakupa mahwanda endarira 
uye uchapwanya kuita zvidimbu ndudzi zhinji.” 
Uchatsaurira kuna Jehovha zvavakazviwanira nenzira dzavo, 
Languages