2 SAMUERI
1 Mushure mokufa kwaSauro, Dhavhidhi akadzoka kubva kuhondo yaakakunda vaAmareki uye akagara paZikiragi kwamazuva maviri. 2 Pazuva rechitatu mumwe murume akasvika achibva kumusasa waSauro, zvipfeko zvake zvakabvaruka uye musoro wake uzere guruva. Paakasvika paiva naDhavhidhi, akazviwisira pasi achiratidza rukudzo.
3 Dhavhidhi akabvunza akati, “Wabvepiko?”
4 Dhavhidhi akabvunza akati, “Chii chaitika ikoko? Ndiudze.”
5 Ipapo Dhavhidhi akabvunza jaya rakanga rauya neshoko iri akati, “Unoziva sei kuti Sauro nemwanakomana wake Jonatani vafa?”
6 Jaya riya rakati, “Ini ndakanga ndiri pamusoro peGomo reGiribhoa, uye ndikaona Sauro akasendamira papfumo rake, ipapo ngoro dzavarwi navatasvi zvichivirima zvotosvika paari. 7 Zvino iye akati acheuka akandiona, akandidana, ini ndikati, ‘Ndiri pano?’
8 “Akandibvunza akati, ‘Ndiwe aniko?’
9 “Ipapo iye akati kwandiri, ‘Uya umire pandiri undiuraye! Ndiri mukurwadziwa kukuru asi ndichiri mupenyu.’
10 “Naizvozvo ndakamira paari ndikamuuraya, nokuti ndaiziva kuti mushure mokunge awira pasi haaizorarama. Uye ndakatora korona yakanga iri mumusoro make norundarira rwaiva muruoko rwake, uye ndauya nazvo kuno kuna ishe wangu.”
11 Ipapo Dhavhidhi navarume vose vaakanga anavo vakabata nguo dzavo vakadzibvarura. 12 Vakachema nokuungudza vakazvinyima zvokudya kusvikira manheru nokuda kwaSauro nomwanakomana wake Jonatani, uye nokuda kwehondo yaJehovha neimba yaIsraeri, nokuti vakanga vaurayiwa nomunondo.
13 Dhavhidhi akati kujaya rakanga rauya neshoko kwaari, “Iwe unobvepiko?”
14 Dhavhidhi akamubvunza akati, “Sei iwe usina kutya kusimudza ruoko rwako uchiparadza muzodziwa waJehovha?”
15 Ipapo Dhavhidhi akadana mumwe wavarume vaaiva navo akati, “Enda, umuuraye!” Naizvozvo akamubaya, akafa. 16 Nokuti Dhavhidhi akanga ati kwaari, “Ropa rako ngarive pamusoro pako. Muromo wako ndiwo wazvipupurira pawati, ‘Ndauraya muzodziwa waJehovha.’ ”
17 Dhavhidhi akaimba rwiyo urwu rwokuchema Sauro nomwanakomana wake Jonatani, 18 uye akarayira kuti vanhu veJudha vadzidziswe rwiyo urwu rwokuchema rwouta (rwakanyorwa mubhuku raJashari):
 Languages
Languages