1 Akavaka aritari yendarira yakanga yakareba makubhiti makumi maviri[a], uye upamhi hwayo hwaiva makubhiti makumi maviri uye yakareba makubhiti gumi[b] kuenda mudenga. 2 Akaita Gungwa resimbi, rakatenderera pakuvakwa kwaro, rakareba makubhiti gumi pamuromo waro kubva kune rumwe rutivi kusvika kune rumwe rutivi uye makubhiti mashanu[c] kuenda mudenga. Zvaida tambo yakareba makubhiti makumi matatu[d] kuti ikwanise kupoteredza gungwa iri. 3 Pazasi pomuromo, zvifananidzo zvehando zvairipoteredza, zviri gumi pakubhiti rimwe chete[e]. Hando idzi dzakanga dzakaiswa mumitsara miviri dziri chinhu chimwe chete neGungwa.
4 Gungwa rakanga rakamira pamusoro pehando gumi nembiri, nhatu dzakatarisa kumusoro, nhatu dzakatarisa kumavirira, nhatu dzakatarisa zasi, uye nhatu dzakatarisa kumabvazuva. Gungwa rakanga rakagara pamusoro padzo uye shure kwadzo kwakanga kwakatarisa pakati. 5 Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita sokufara kwechanza[f] uye muromo waro wakanga wakaita somuromo womukombe, seruva rehapa. Raizara namabhati zviuru zvitatu[g].
6 Akagadzirazve madhishi okusukira gumi akaisa mashanu kudivi rezasi, uye mashanu kudivi rokumusoro. Zvinhu zvose zvaizoshandiswa pazvipiriso zvinopiswa zvaisukirwamo, asi Gungwa raizoshandiswa navaprista pakushamba.
7 Akagadzira zvigadziko zvemwenje gumi zvegoridhe, sokurayirwa kwazvakanga zvaitwa akazviisa mutemberi, zvishanu akaisa zasi zvishanu kumusoro.
8 Akagadzira tafura gumi akadziisa mutemberi, shanu zasi uye shanu kumusoro. Akagadzirawo mbiya dzegoridhe zana dzokusasa.
9 Akagadzira chivanze chavaprista, nechivanze chikuru nemikova yechivanze uye akafukidza mikova nendarira. 10 Akaisa Gungwa kudivi rezasi, pakona yezasi yakadziva kumabvazuva.
11 Akagadzirazve hari nefoshoro nembiya dzokusasa.
19 Soromoni akagadzirazve midziyo yose yakanga iri mutemberi yaMwari yaiti: