1 Saka Mambo Soromoni akanga ari mambo weIsraeri yose.
7 Soromoni aivawo namachinda gumi navaviri veIsraeri yose vaitsvakira mambo neimba yake zvokudya. Mumwe nomumwe aifanira kutsvaka zvokudya zvomwedzi mumwe chete pagore.
20 Vanhu veJudha neIsraeri vakanga vakawanda sejecha ramahombekombe egungwa; vakadya, vakanwa uye vakafara. 21 Soromoni akanga ari mambo munyika dzose dzaibva kuYufuratesi kusvikira kunyika yavaFiristia, nokumuganhuwo weIjipiti. Nyika idzi dzakauya nomutero uye dzakashandira Soromoni mazuva ose oupenyu hwake.
22 Zvokudya zvomuzinda waSoromoni zvezuva nezuva zvaiva zviyero makumi matatu[a] zvefurawa yakatsetseka nezviyero makumi matanhatu[b] zvoupfu, 23 mombe gumi dzakakodzwa, nemombe makumi maviri dzokumafuro, makwai zana, pasingaverengerwi nondo, mhara, mhembwe nehuku dzakakodzwa. 24 Nokuti aitonga nyika dzose dziri kumadokero kwerwizi rweYufuratesi kubva kuTifisa kusvikira kuGaza, uye akava norugare kumativi ose. 25 Pamazuva oupenyu hwaSoromoni vaJudha navaIsraeri vaigara zvakanaka, kubvira kuDhani kusvikira kuBheerishebha, mumwe nomumwe pasi pomuti wake wamazambiringa nowamaonde.
26 Soromoni aivawo nezvidyiro zvamabhiza engoro dzake zviuru makumi mana navatasvi vamabhiza zviuru gumi nezviviri.
27 Vatariri vakatsvakira Mambo Soromoni navose vaiuya kuzodya naMambo Soromoni patafura yake zvokudya, mumwe nomumwe mumwedzi wake. Vakaona kuti hapana chaishayikwa. 28 Vakauyawo nebhari nouswa hwamabhiza engoro namamwewo mabhiza kunzvimbo dzezvaidiwa, mumwe nomumwe zvaakatarirwa.
29 Mwari akapa Soromoni uchenjeri, nokunzwisisa kukuru sejecha rapamahombekombe egungwa. 30 Uchenjeri hwaSoromoni hwakanga hwakapfuura uchenjeri hwavanhu vose vokumabvazuva, nouchenjeri hwose hwokuIjipiti. 31 Akanga akachenjera kupfuura vamwe vose; akachenjera kupfuura Etani muEzrahi, Hemani, Karikori, naDharidha, vanakomana vaMahori. Mukurumbira wake wakapararira kunyika dzose dzakapoteredza. 32 Akataura zvirevo zviuru zvitatu, uye dzimbo dzake dzaikwana chiuru neshanu. 33 Akatsanangura makuriro emiti, kubvira kumusidhari weRebhanoni kusvikira kumihisopi inokura mumadziro. Akadzidzisawo pamusoro pemhuka, shiri, zvinokambaira nehove. 34 Vanhu vakauya vachibva kunyika dzose kuti vazonzwa uchenjeri hwaSoromoni; vakauya vachitumwa namadzimambo ose enyika akanga anzwa nezvouchenjeri hwake.
<- 1 Madzimambo 31 Madzimambo 5 ->